KUKURA KUNOITA ZVAKAIPA

Pandaive mwana ndakamboyambirwa kuti ndinofanira kuronga michero zvakanaka. Taiisa michero payaizochengeterwa kuti tigoishandisa mumazuva echando. Hapana muchero wainge wakaora parutivi waisanganiswa nemuchero wakanaka.