KUDZOKERA KUNYIKA YAMWARI

Bhaibheri ibhuku rakanyorwa mashandiro aMwari nevanhu nekuti vanhu vacho vaigamuchira Mwari sei. Muhurongwa nezvinangwa zvake akasarudza munhu mumwe chete waakaita naye sungano. Tese tinoziva munhu uyu ari baba vedu Abramu. Zvakakodzera kuti tifungisise pamusoro pekuti Abramu airarama sei. Kubva pahupenyu hwake tinogona kudzidza zvidzidzo zvakawanda zvinotibatsira kwehupenyu hwedu hwese.