KURASIKIRWA NEZVAKANAKISISA ZVAMWARI

Kune vamwe vanhu hupenyu itsaona. Vanoti, “Handina kusarudza kuti ndizvarwe. Saka zvine basa rei kuti ndiri kuenda kupi?” Ndinoda kukupa tariro nekuti ndinodavira kuti Mwari vane hanya newe. Bhaibheri Dzvene rinondiudza kuti Mwari vane hanya newe. Mwari vaive nehanya nababa vedu Abramu. Hongu vaive nehanya navo. Rega ndikuratidze kubva pane zvakaitika kuna Abramu zvinoratidza kuti Mwari vakange vaine hanya naye.