MAVAMBO MATSVA EVANHU

Ini ndinotenda kuti vanhu vazhinji vanoronga zvinhu zvavo vasingambofunga kuti Mwari vanoti kudii. Vanotoita hurongwa hwavo vakangotarisa zvido zvavo chete. Kushaya hanya naMwari kana kusamuziva hazvirevi kuti iwe unozobudirira pakuita zvaunoda. Ndinoda kuti ubatisise pfungwa iyi. Kune vamwe vanhu vanofunga kuti unogona kungoshaya hanya naMwari worega kumuteerera zvaanotaura uchingoita hako madiro ako. Asi chokwadi ndechekuti sevanhu pane patinogumira.