KUPANDUKIRA MWARI KWEVANHU

Pane chinhu chinonakidza kuita. Chinhu ichi ndechekuti kana iwe uri pakakwirira wotarisa zvinhu zviri pasi. Unogona kutarisa uri mugomo kana kutarisa uri panharire yomurindi kana kutarisa uri mundege. Maonero aya anokuita kuti ushamiswe nehukuru hwaMwari nekunyatsoonawo hudiki hwako.