KUPANDUKIRA MWARI KWEVANHU

Pane chinhu chinonakidza kuita. Chinhu ichi ndechekuti kana iwe uri pakakwirira wotarisa zvinhu zviri pasi. Unogona kutarisa uri mugomo kana kutarisa uri panharire yomurindi kana kutarisa uri mundege. Maonero aya anokuita kuti ushamiswe nehukuru hwaMwari nekunyatsoonawo hudiki hwako.

KUGAMUCHIRA NZVIMBO YAMWARI

Dzimwe nguva zvakaoma kuziva kuti Mwari vanoda kuti unge uripi kana kuziva kuti Mwari vanoda kuti uitei. Dzimwe nguva zvinotonetsa kuti ndizive kuti zvandinonyatsoda ndezvipi - zvandisingagoni kurarama ndisina. Ndinoda kukubvunza mubvunzo iwoyo izvozvi. Ndezvipi zvinhu zvinodiwa nemunhu zvaasingagoni kurarama asina?

ZVAKAVIMBISWA NOA NAMWARI

Kuvimbisa - kana uchizvitaura nenzira iri nyore unenge uchingoti, Ndicha. Kuvimbisa zvinoreva kutaura zvauchada kuzoita. Matorero aunoita zvinhu uchiratidza zvaunoda kuita paunenge uri mune mamwe mamiriro ezvinhu. Sezvo Mwari vari ivo NDICHAVA mukuru. Ndivozve muneramangwana NDICHAVA. Munhu akadzidza nyaya yekuvimbisa kubva kuna Mwari.

Zvipikirwa zvaMwari

MAVAMBO MATSVA EVANHU

Mavambo matsva

Kukosha kwezvinhu zvidiki diki

Kuratidzwa kwetsitsi dzaMwari

KUTORA KWAKANAKA KUNOITWA ZVINHU NAMWAR

Tisati tasvika muna 1982 vana mazvikokota vanodzidza nezvemuchadenga vaitaurapamusoro pemubatanidzwa wezvisikwa zvese zvemuchadenga zvinosanganisirapasi rino rese. Vanhu vazhinji vaitenda kuti tichaona kushanduka kwemamiriroekunze kunoitika pasi rino rese.

MWARI VANONYATSORONGA ZVINHU

Hapana munhu angatarise kumatenga akasashamisika. Hapana munhu angatariseruva rinozi rose, rinova zita remudzimai wangu, akasashamisika. Hapana angatarisamvura iri munyanza akasashamisika. Hapana angatarise kudyidzana kunoita zvinhuzviri pasi pano akasashamisika. Mwari vakaita zvinhu zvese izvi zvakanaka!

KUKOKWA KUNENYASHA

Ini ndinoda kubvunza mubvunzo. Kunzwisisa kwedu Mwari ingori nyaya yemupfungwa medu chete here? Inyaya yemafungiro angu chete here?