NYIKA ISINA MUNHU

Sezvinotaurwa muBhaibheri rinova shoko Dzvene raMwari, nyika yakatanga kusikwa munhu achizosikwawo. Izvi tinofanira kuti zvijeke mupfungwa dzedu. Saka kubva muBhaibheri tinodzidza kuti Musiki akagadzira nyika achiigadzirira munhu.

MWARI PAAKAZORORA

ni ndinotenda kuti pfungwa dzaunadzo pamusoro paMwari dzinoumbwa nezvaunofunga pamusoro pako. Izvi ndizvo chaizvo chaizvo zvakaitwa nevaGiriki vekare pavaifunga pamusoro paana mwari vavo vakange vakawanda.

ZVINHU ZVISINA KUKANGANISWA NAMWARI

Mharidzo iyi ndaipa musoro wekuti ZVINHU ZVISINA KUKANGANISWA NAMWARI. Ndakatora musoro uyu kubva kune rimwe bhuku. Munyori webhuku iri aionesa kuti zvinhu zvese zviri panzvimbob yazvo uye zvinonyatsodyidzana.

MWARI NEMUNHU WEKUTANGA

Vazhinji vedu takambonetseka pane imwe nguva nekuzvibvunza kuti isu takambobva kupi. Takambotangira kupi? Ko hupenyu hwakambotangira kupi? Mumwe wemibvunzo inonetsa kupindura ndewekuti ko munhu akambobva kupi?

MOMBE NEZVINOKAMBAIRA

Pane kutenda kunotora Bhaibheri rinova Bhuku reMaJudha kana MaKristu woritenda. Tinotenda kuti mugadziri wezvinhu zvese akazviratidza kuburikidza nemabasa ake ekusika neShoko Rake.

HOVE NESHIRI

Vazhinji vedu hatitarisi zvinhu zvakatikomboredza munyika medu. Tinongotorawo zvinhu tichingoti chero zvazvaita sezvo tisinei nekusikwa kwakaitwa zvinhu zvacho.

NYEREDZI DZIRI KUMUSORO

Chimwe chezvinhu zvinonakidza uye zvakanaka kuona idenga rakazara nenyeredzi manheru kusina makore. Wati wambozviona nekunakidzwa nazvo here?

NYIKA NEMVURA

Vana mazvikokota vekufunga neve science vakadzidza kwenguva yakareba uye vakadzidza zvakasimba vachiedza kuda kuziva kuti nyika yakambotangira kupi. Vamwe vavo vakapawo pfungwa dzavo dzakachenjera zvikuru. Asi isu tinowana mhinduro dzedu mubhuku dzvene raMwari Mupenyu.

CHIEDZA NENZVIMBO

Wati wambozvifunga kuti zvakange zvikamira sei kareko kusati kwave nechiedza kana nzvimbo? Wati wambozvinetsa here uchifunga kuti zvinhu izvi zvakambovapo sei?

Ndiani akasika Nyika?

tinofanira kuramba tichibvunza mubvunzo wekuti ndiani akasika nyika?