MOMBE NEZVINOKAMBAIRA

Pane kutenda kunotora Bhaibheri rinova Bhuku reMaJudha kana MaKristu woritenda. Tinotenda kuti mugadziri wezvinhu zvese akazviratidza kuburikidza nemabasa ake ekusika neShoko Rake.

HOVE NESHIRI

Vazhinji vedu hatitarisi zvinhu zvakatikomboredza munyika medu. Tinongotorawo zvinhu tichingoti chero zvazvaita sezvo tisinei nekusikwa kwakaitwa zvinhu zvacho.

NYEREDZI DZIRI KUMUSORO

Chimwe chezvinhu zvinonakidza uye zvakanaka kuona idenga rakazara nenyeredzi manheru kusina makore. Wati wambozviona nekunakidzwa nazvo here?

NYIKA NEMVURA

Vana mazvikokota vekufunga neve science vakadzidza kwenguva yakareba uye vakadzidza zvakasimba vachiedza kuda kuziva kuti nyika yakambotangira kupi. Vamwe vavo vakapawo pfungwa dzavo dzakachenjera zvikuru. Asi isu tinowana mhinduro dzedu mubhuku dzvene raMwari Mupenyu.

CHIEDZA NENZVIMBO

Wati wambozvifunga kuti zvakange zvikamira sei kareko kusati kwave nechiedza kana nzvimbo? Wati wambozvinetsa here uchifunga kuti zvinhu izvi zvakambovapo sei?

Ndiani akasika Nyika?

tinofanira kuramba tichibvunza mubvunzo wekuti ndiani akasika nyika?