KURASIKIRWA NEZVAKANAKISISA ZVAMWARI
-
Genesi 12
Close
KUGAMUCHIRA CHIPO CHAMWARI
Hameno kuti hapanawo here chidzidzo chaicho chatinowana paya patinoona vamwe vanhu vanoti pavanonzwa pamusoro pechipo chaMwari. Chipo chehupenyu husingaperi. Vanongozvitora sezvinhu zvisina basa. Havana hanya nekupenegura nekuwongorora chipo chacho. Baba vedu Abramu vakange vasingabatiri zvinhu pamusoro kudaro. Vainyatsopenengura nekuwongorora. Vaifungisisa pamusoro pazvo.
KUNZWA KUDANA KWAMWARI
Wati wambonzwa Mwari vachitaura newe here? Ndinofunga kuti vazhinji vedu hatisati tambonzwa Mwari vachitaura sekunzwa kwakaita Abrahama Mwari vachitaura. Mumoyo memunhu wese mune chishuwo nekudokwairira Mwari. Hongu ndizvo zvazviri. Asi kune vamwe vanoedza kuzviudza kuti hakuna Mwari. Zvisinei Bhaibheri rinoti munhu akadai anonzi benzi.
MAVAMBO MATSVA EVANHU
Ini ndinotenda kuti vanhu vazhinji vanoronga zvinhu zvavo vasingambofunga kuti Mwari vanoti kudii. Vanotoita hurongwa hwavo vakangotarisa zvido zvavo chete. Kushaya hanya naMwari kana kusamuziva hazvirevi kuti iwe unozobudirira pakuita zvaunoda. Ndinoda kuti ubatisise pfungwa iyi. Kune vamwe vanhu vanofunga kuti unogona kungoshaya hanya naMwari worega kumuteerera zvaanotaura uchingoita hako madiro ako. Asi chokwadi ndechekuti sevanhu pane patinogumira.
KUPANDUKIRA MWARI KWEVANHU
Pane chinhu chinonakidza kuita. Chinhu ichi ndechekuti kana iwe uri pakakwirira wotarisa zvinhu zviri pasi. Unogona kutarisa uri mugomo kana kutarisa uri panharire yomurindi kana kutarisa uri mundege. Maonero aya anokuita kuti ushamiswe nehukuru hwaMwari nekunyatsoonawo hudiki hwako.
KUGAMUCHIRA NZVIMBO YAMWARI
Dzimwe nguva zvakaoma kuziva kuti Mwari vanoda kuti unge uripi kana kuziva kuti Mwari vanoda kuti uitei. Dzimwe nguva zvinotonetsa kuti ndizive kuti zvandinonyatsoda ndezvipi - zvandisingagoni kurarama ndisina. Ndinoda kukubvunza mubvunzo iwoyo izvozvi. Ndezvipi zvinhu zvinodiwa nemunhu zvaasingagoni kurarama asina?
ZVAKAVIMBISWA NOA NAMWARI
Kuvimbisa - kana uchizvitaura nenzira iri nyore unenge uchingoti, Ndicha. Kuvimbisa zvinoreva kutaura zvauchada kuzoita. Matorero aunoita zvinhu uchiratidza zvaunoda kuita paunenge uri mune mamwe mamiriro ezvinhu. Sezvo Mwari vari ivo NDICHAVA mukuru. Ndivozve muneramangwana NDICHAVA. Munhu akadzidza nyaya yekuvimbisa kubva kuna Mwari.