Pamsoro/ maringe TARIRO YANHASI
Pane chinhu chinonakidza kuita. Chinhu ichi ndechekuti kana iwe uri pakakwirira wotarisa zvinhu zviri pasi. Unogona kutarisa uri mugomo kana kutarisa uri panharire yomurindi kana kutarisa uri mundege. Maonero aya anokuita kuti ushamiswe nehukuru hwaMwari nekunyatsoonawo hudiki hwako.
Gunyana 17, 2026
Dzimwe nguva zvakaoma kuziva kuti Mwari vanoda kuti unge uripi kana kuziva kuti Mwari vanoda kuti uitei. Dzimwe nguva zvinotonetsa kuti ndizive kuti zvandinonyatsoda ndezvipi - zvandisingagoni kurarama ndisina. Ndinoda kukubvunza mubvunzo iwoyo izvozvi. Ndezvipi zvinhu zvinodiwa nemunhu zvaasingagoni kurarama asina?
Gunyana 10, 2026
Kuvimbisa - kana uchizvitaura nenzira iri nyore unenge uchingoti, Ndicha. Kuvimbisa zvinoreva kutaura zvauchada kuzoita. Matorero aunoita zvinhu uchiratidza zvaunoda kuita paunenge uri mune mamwe mamiriro ezvinhu. Sezvo Mwari vari ivo NDICHAVA mukuru. Ndivozve muneramangwana NDICHAVA. Munhu akadzidza nyaya yekuvimbisa kubva kuna Mwari.
Chikunguru 30, 2026
Tisati tasvika muna 1982 vana mazvikokota vanodzidza nezvemuchadenga vaitaurapamusoro pemubatanidzwa wezvisikwa zvese zvemuchadenga zvinosanganisirapasi rino rese. Vanhu vazhinji vaitenda kuti tichaona kushanduka kwemamiriroekunze kunoitika pasi rino rese.
Chikunguru 23, 2026
Hapana munhu angatarise kumatenga akasashamisika. Hapana munhu angatariseruva rinozi rose, rinova zita remudzimai wangu, akasashamisika. Hapana angatarisamvura iri munyanza akasashamisika. Hapana angatarise kudyidzana kunoita zvinhuzviri pasi pano akasashamisika. Mwari vakaita zvinhu zvese izvi zvakanaka!
Chikunguru 16, 2026
Ini ndinoda kubvunza mubvunzo. Kunzwisisa kwedu Mwari ingori nyaya yemupfungwa medu chete here? Inyaya yemafungiro angu chete here?
Chikumi 28, 2026
Pane zvinhu zvishoma zvandakaongorara muhupenyu. Chimwe chezvinhu izvi ndechechekuti kurarama zvine chindini kunozokudhurira. Ndinoreva kuti unozobvisa mutengo wakakurisa kana uchirarama hupenyu hune chindini. Panguva ino ndinoona kuti vanhu vanorarama nechindini vave kuita vashoma asi vari kurarama hupenyu hwepasi pasi.
June 04, 2026
Handiti unoziva kuti hupenyu hunofananidzwa kazhinji nemugwagwa. Mugwagwa une paunotangira nepaunoperera. Mimwe migwagwa inokuendesa kunzvimbo huru kune maguta akanaka. Pane mamwe matauriro aiitwa kare ekuti, “Migwagwa yese inoenda kuguta reRoma.”
June 11, 2026
Marudzi ese evanhu panyika. Kunyange nyika dzese pasi rino rese dzine zvadzinotora sezvakanaka nezvakaipa. Nyika yese pasi pano ine mitemo yakanyorwa pasi inotungamirira vagari vemunyika iyoyo kuti vaite zvakanaka zvinenge zvakanakira vanhu vazhinji.
June 25, 2026
Pandaive mwana ndakamboyambirwa kuti ndinofanira kuronga michero zvakanaka. Taiisa michero payaizochengeterwa kuti tigoishandisa mumazuva echando. Hapana muchero wainge wakaora parutivi waisanganiswa nemuchero wakanaka.
Chivabvu 16, 2026
Muchirongwa chakapfuura ndakabvunza mubvunzo wekuti, “Munhu anogona kuvaMwari here? Mhinduro kumubvunzo uyu ndeyekuti kwete. Kunyange kuine vamwevanofunga kuti vaive Mwari nevamwe vanotofunga kuti ndivana Mwari.Mumharidzo yangu yanhasi ndinoda kubvunza mubvunzo wakasiyana neuyu.Ndinoda kubvunza kuti KO MWARI VANOGONA HERE KUVA MUNHU?
Wedzera pane zvaunodisisa.
Wedzera kune zvaunodisisa..
Zvabviswa kubva pane zvaanofarira.
Subscribe by Email
Subscribed.
Unsubscribed.
Pamsoro/ maringe
“Kuparidza Evhangeri yaJesu Kristu kuboka guru riri kukura revanhu pasi rose, kuburikidza nemichina yemagetsi uye nezvinyorwa; tichinyanya kusimbisa kudzidzisa kwakarongeka kweShoko raMwari kunotungamirira vateereri kubva pakutendeuka kusvika pakukura pamweya.”
Website heraldsofhope.org