MUNHU AKABVA KUPI?
-
Genesi 3
Close
MUDZI WEZVAKAIPA
Ndinofanira kukuudza hama yangu kuti zvakaipa hazvingori zvinhu zvinopikisana nezvakanaka. Pane chikonzero chiri pachena chinoita kuti pave nezvakaipa. Pane mudzi wezvakaipa. Ko zvakaipa zvese zvepanyika pano zvinobvepi?
MUNHU WEKUTANGA AKAWANEPI MUKADZI WAKE?
Ko munhu wekutanga akawanepi mukadzi wake? Mubvunzo chaiwo ka uyu handiti? Vanga vakawanda here pakutanga? Zvakambenge zviri seiko ipapo?
MUNHU ARI MUMBA YAKE YEKUTANGA
Vazhinji vedu tinoda nzvimbo yatinodaidza kuti kumba kwedu. Zvinofadza kwazvo kuti Mwari vanova Baba vedu vari kumusoro kudenga vakagadzira nzvimbo yavakadzirira murume nemukadzi wekutanga. Bhaibheri redu Dzvene rinotiudza zvimwe zvinhu pamusoro pehupenyu hwedu zvekuti hatifaniri kuva nemibvunzo yepasi pasi isina kupindurwa.
MUNHU AKABVA KUPI?
Nyanzvi munyaya dzekufunga naana mazvikokota mukushandisa pfungwa mumazera ese vanobvunza mubvunzo uyu wekuti, “Ko isu takambobva kupi?
NYIKA ISINA MUNHU
Sezvinotaurwa muBhaibheri rinova shoko Dzvene raMwari, nyika yakatanga kusikwa munhu achizosikwawo. Izvi tinofanira kuti zvijeke mupfungwa dzedu. Saka kubva muBhaibheri tinodzidza kuti Musiki akagadzira nyika achiigadzirira munhu.
MWARI PAAKAZORORA
ni ndinotenda kuti pfungwa dzaunadzo pamusoro paMwari dzinoumbwa nezvaunofunga pamusoro pako. Izvi ndizvo chaizvo chaizvo zvakaitwa nevaGiriki vekare pavaifunga pamusoro paana mwari vavo vakange vakawanda.
ZVINHU ZVISINA KUKANGANISWA NAMWARI
Mharidzo iyi ndaipa musoro wekuti ZVINHU ZVISINA KUKANGANISWA NAMWARI. Ndakatora musoro uyu kubva kune rimwe bhuku. Munyori webhuku iri aionesa kuti zvinhu zvese zviri panzvimbob yazvo uye zvinonyatsodyidzana.
MWARI NEMUNHU WEKUTANGA
Vazhinji vedu takambonetseka pane imwe nguva nekuzvibvunza kuti isu takambobva kupi. Takambotangira kupi? Ko hupenyu hwakambotangira kupi? Mumwe wemibvunzo inonetsa kupindura ndewekuti ko munhu akambobva kupi?
MOMBE NEZVINOKAMBAIRA
Pane kutenda kunotora Bhaibheri rinova Bhuku reMaJudha kana MaKristu woritenda. Tinotenda kuti mugadziri wezvinhu zvese akazviratidza kuburikidza nemabasa ake ekusika neShoko Rake.
HOVE NESHIRI
Vazhinji vedu hatitarisi zvinhu zvakatikomboredza munyika medu. Tinongotorawo zvinhu tichingoti chero zvazvaita sezvo tisinei nekusikwa kwakaitwa zvinhu zvacho.